Tuesday, September 24

Mashura Zvinotyisa Zimbabwe Yashata 2Year Old Sophia Undi Ouraiwa Ochekwa Maparts Obviswa Maziso Body Yake Yazoonekwa Vabereki Vochema

MWANA ane makore maviri ekuberekwa wemubhuku raNyachowe, kwaZvimba, kudunhu reMashonaland West, anonzi akatsakatika pamusha wevabereki vake apo aitamba pachivanze nevamwe nemusi wa18 Gumiguru

 

 

 

 

ndokuzowanikwa akapondwa kwapera mazuva mashanu, mutumbi wake uri murwizi Hunyani uye usina dzimwe nhengo nemaziso.Shantel Ndoro anonzi aitamba pachivanze chepamba pavo pasi pemuti wemuhingi vachidya muchero uyu aine vamwe vana vashanu kuma 5 zuva rodoka musi uyu.

 

 

 

 

Vamwe vana vakuru vanonzi vakazomusiya vachimhanya kunobata ishwa pachuru chiri pedyo.

 

 

 

Panguva yakaitika izvi, amai vemwana uyu, Sarafina Undi, vanonzi vaiva vaenda kwavanoita basa rekusona mbatya uyewo baba vake, Success Undi (28), vaiva vambobvakacha.

 

 

 

 

 

 

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira nyaya iyi.Tine nyaya iri kuferefetwa nemapurisa edu ekwaZvimba yemwana musikana ane makore maviri aitamba nevamwe ndokuzosiiwa oga apo amai vake vaiva nebasa ravaiita. Mwana uyu akazoshaikwa akatsvagiwa ndokuzowanikwa mutumbi wake kurwizi rwaHunyani. Mutumbi uyu wakange wava kuipa uye usina dzimwe nhengo dzinosanganisira maziso nemhuno,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

 

 

 

 

Vanokurudzira vabereki kuti vachengetedze vana nguva dzose.

Mai Barbra Undi (43), ambuya vemwana uyu uye mutauriri wemhuri iyi, avo vanogara kumindamirefu yekuKaroi, vanoti mumusha uyu maiva makaungana vanhu vehukama kwemazuva sezvo maiva nemitambo yekurohwa kwemakuva maviri.Mwana uyu akasiiwa oga nevamwe vakuru kwaari vamhanya kunobata ishwa kuma5 zuva rodoka. Hapana akazoziva kuti chii chakazoitika kumwana sezvo amai vake vakazomushaya kwadoka ndokuzozivisa vamwe vakatanga kumutsvaga kubva musi wa18 Gumiguru waashaika uyu. Takaita mazuva mashanu tichitsvaga mwana pasina chakabuda, kuzosvika 23 Gumiguru apo takaenda kumagadheni kurwizi rwaHunyani.

 

 

 

“Ini ndini ndakatanga kuona mutumbi wemwana mumvura chinhambwe chemakiromita matatu kubva pamusha paitambira mwana nevamwe vake. Patakawana mutumbi, paiva netsoka dzevanhu,” vanodaro Mai Barbra Undi.

 

 

 

 

 

Vanoti mapurisa akazonyurura mutumbi wemwana uyu kubva mumvura zvakaonekwa kuti waiva usina nhengo dzakavandika, mhuno, pamwe chete nemaziso.Zvinoshamisa kuti tifunge kuti mwana uyu akafamba oga rwendo rwemakiromita matatu kubva pamuhingi paakasiiwa nevamwe kunosvika kurwizi uku. Pane misha yakawanda iri pakati kubva pakasiiwa mwana ari kunosvika kurwizi uku zvingadai paine vanhu vakamuona.

 

 

 

 

 

Nyaya iyi taiva takaimhan’ara kumapurisa uye pane vamwe varume vatatu vehukama vakatosungwa, tichitarisa kufambiswa kwenyaya iyi zvakanaka,” vanodaro Mai Barbra Undi.

 

 

 

 

Vanoti mutumbi wemwana uyu unoratidza kuti wakabvuraudzwa nemoto ukadirwawo mafuta eoyiri ganda rikakwapuka.

 

 

 

 

“Mwana uyu anofanirwa kunge akatorwa paaiva ndokuzouraiwa, zvekumupisa nekumudira oyiri hatizive kuti chikonzero chei. Mutumbi wemwana wakazotakurwa nemapurisa ukaendeswa kumochari yechipatara cheChinhoyi uko tiri izvozvi tichitaura nemi tichimirira kuti utariswe nemachiremba. Inyaya inotirwadza, kuurairwa mwana asina chaakatadza,” vanodaro Mai Barbra Undi.

  • Share: