Sunday, October 06

Zvinoshamisa Zvinotyisa Zvaitika Kwa Rusape Tsanzaguru Zimbabwe Yashata Iyii Nyika Yavekumawere

FROM INBOX | Makadii hama. Pane chiitiko chaitika muno mu Tsanzaguru RUSAPE kuma 3 nhasi Wednesday 3 July. Pagedhi pauya mota mukadzi aburuka akapinda mu gate akati kumwana Mbuya varipo here zvikanzi ehe vadeedzei. Ndasvika adzokera mumota panga paine mukadzi kumberi nemukomana wechidiki or murume wechidiki mutema anga aine cap nevakadzi 2 kumashure vese vanga vari 4. 

 

 

 

 

 

 

 

Ndatoti makadii vakadaira then mukadzi anga ariku front ndiye anga achibvunza baba varipo here , vanodzoka nguvai . Mubvunzo yavo yanga ichitiratidza kuti varikubvunza zvawasingazive nezve pamba. Ndavati hamuna kurasika here vabva vataura surname yedu coz vaona pakanyorwa ndikati manga muchivadii baba hanzi tine mari yavo tikusiirei here ndikati munonzi ani mukomana ati ndinonzi Moyo madhiri evarume hamungamazive. Pandati kumwana enda unotora foni ndipo pavati okay regai tiende tozodzoka tichitaura. 

 

SakA yabva yaenda mota iya ikanomira kunotangira street . Ndazoenda pamba pa tete vangu pamira mota kuti ndinonzwa kuti vanga vachidei. Hanzi vati ndiri friend yemwana wenyu hamuchandizive here takashanda tese muno. Ndanga ndiri ku Canada. Vakati ndoda kukupai mari mubatsirike asi vairamba. 

 

 

 

 

 

 

Saka tangoona kuti vanhu ava kana vasiri vanoba vana or mota or mheno satanism hatichazive havana kutsarukana kuti vanga vachidei. Ndatarisa mota yacho ndeye purple iri vits number plate 7484 chenjererai. Forward muma groups.

  • Share: