Wednesday, September 25

SADC Yoti MaElections Akuitwa Rerun ZEC Haide Kana Kuonekwa Ipapo

Zvanzi SADAC maelections avekutangidzwa ZEC haidihwi kana kuonekwa panovhota vanhu kure uko SADC irikutuma team ichange ichitungamirwa nevaimbova President weTanzania VaJakaya Kikwete kuzoongorora nyaya yeSarudzo dzedu dzakabiwa neZanu PF

 

 

 

Ndozviya zvandakataura musi wa 23 kuti "expect a lot of diplomatic and constitutional drama"

 

VaKikwete pavakanga vachichiri President muna 2008 vakashanda zvinesimba kuti Zanu PF ibvume kupinda muInclusive government iyo yaiva hurumende yemushandira pamwe ye MDC neZanu PF

 

 

 

 

Parizvino hapana ati aziva kuti nhaurirano dzacho dzichafamba sei uyezve kuti chii chichabuda madziriiAsi zviripachena kuti dunhu reSADC pamwe neAfrica yese jekerere irikuzviona kuti sarudzo hadzina kuitwa zviri pamutemoMuSADC mune nyika 16 dzinoti Zimbabwe,South Africa,Zambia,Malawi,Mozambique,Angola,Swaziland,Lesotho,Tanzania,Botswana,Namibia,DRC,Comoros,Seychelles,Madagascar ne Mauritius

 

 

 

 

Tatove ne 3 days maresults ataurwa asi Panyika dzese dziri pamusoro idzo,pangori nenhatu chete dzati dzakorokotedza vaMnangagwa (South Africa,Namibia ne Tanzania)

 

 

 

Tikabvisa SADC,African Union inosara ne 39 countries Hapana kana one nyika pa39 idzodzo yati yakorokotedza VaMnangagwa 

 

 

 

 

Izvi zvinoratidza pachena kuti sarudzo dzakaitwa muZimbabwe dzaisava netsarukano(not that we didn't know that already)Under normal circumstances nyika dzese dzemuSADC dzingadai dzatokorokotedza VaMnangangwa

 

 

 

 

Zvichakadaro mukuru weGungano renyika dzese pasi rese reUnited Nations VaGuterres vanoti varikubatikana nemafambisirwo akaitwa Sarudzo muZimbabwe.Varikutikurudzira kuti tigadzirise nyonga nyonga iyi murunyararo

  • Share: