Friday, September 20

N'anga YAKABATSIRA HILLARY MAKAYA YOBUDA PACHENA ICHITI HAACHADE KUNDIBHARA Choputika paHarare

N'ANGA YAKABATSIRA HILLARY MAKAYA YOBUDA PACHENA ICHITI HAACHADE KUNDIBHARA

 

Choputika paHarare apo imwe n'anga inobuda ichitaura kuti ndiyo yakabatsira Hillary Makaya awane mbinga iyo yakamuroora nemari yakawanda. Kune vasingazive nyaya iyi Hillary aive musikana wechidiki uyo anoodeedzwa mazuvano kuti maSlay queen asi akashamisa vazhinji apo akaroorwa nemari inosvika $40 000. Izvi zvakashamisa sezvo vazhinj vaiziva

 

 

 

 

 

 

musikana uyu. Mushure mezvo imwe n'anga inonzi Sekuru Mwale yakabuda ichitaura kuti ndiyo yakamubatsira kuti awane kuroorwa zvakanaka kudai asi dambudzio haachade kubhadhara mari yaakawirirana nen'anga iyi izvo zvakakonzera Sekuru Ava kunyora paFacebok vachimuyambira kuti avabhadhare kana kuti pane zvavaizoita kwaari. Sekuru ava vanoti zvose nemaessage avaitaura vanawo asi zvino haachabatika. Vanhu vakawanda vakaratidza kutenda munyaya yaSekuru ava sezvo vaiti zvaisagona kuti

 

 

 

 

 

musikana uyu aroorwe nemari yakawanda kudaro nemabasa ake aizikanwa nenyika yose paitove nechaanga akabata chete. Zvichitevera izvi takazotsvaka zvimwe zvakambotaurwa naSekuru ava izvo zvinosnaganisa kushopera kwavakaita kukunda kweManchester city mumutambo weChamions league final mugorera2023 uye kureva nema goals kuti achaita 1 - 0 . N'anga iyi inoti yakareva zvakare kuparara kwechirongwa cheE creator ikataura ichiyambira veruzhinji.

 

  • Share: