Saturday, September 21

MSU Gweru Teacher Vozvouraya Muclass Ndomawawanikwa Mutumbi Wa Roy Muchareva

MUDZIDZI wepaMidlands State University (MSU), kuGweru, akawanikwa mutumbi wake wakarembera mumba azvisungirira nekuda kwechikonzero chisati chava kuzivikanwa.MUDZIDZI wepaMidlands State University (MSU), kuGweru, akawanikwa mutumbi wake wakarembera mumba azvisungirira nekuda kwechikonzero chisati chava kuzivikanwaMutumbi waRoy Muchareva (28), uyo aigara kuSenga, muGweru, wakaonekwa mumba maaigara nemusi waChivabvu nenguva dzemasikati.

 

 

 

 

 

 

 

 

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanotsinhira nyaya iyi.

“Mutumbi wemurume aidzidza paMidlands State University (MSU) uyu wakawanikwa mumba maaigara, wakaonekwa neshamwari yake yaiva yamubvakachira,” vanodaro Insp Mahoko.

Mutumbi uyu wakazoendeswa kumochari yechipatara cheGweru Provincial Hospital.

 

 

 

 

 

 

“Ukaita dambudziko haugone kuripedza uri woga, tsvaga vanokubatsira vakaita semafundisi, masabhuku, madzishe, vatungamiri venzvimbo dzamuri, isu mapurisa tine chikamu chinodyidzana neruzhinji kana kuzivisa vechikuru vari pedyo newe,” vanodaro Insp Mahoko.

  • Share: