Saturday, September 28

Mhuri YaVaMugabe Yoramba Kuti Vafukunurwe

Mutauriri webaro reNational Patriotic Front vari pedyo nemhuri yaVaMugabe vati  zviri kuitwa kushungurudza madzimai sezvo paita varume vaunga kuda kushungurudza shirikadzi Amai Mugabe. Vachizivisa nezvemutongo wakapihwa naMambo Zvimba mushure medare rakagarwa svondo rapera pasina hama dzaVaMugabe,  chikonzi chamambo, Stanley Mhondoro, chazivisa kuti pamusoro pekufukunyurwa nekuvigwa zvakare kwemutumbi waVaMugabe, mudzimai wavo, Amai Grace Mugabe vakanzi varipe mombe shanu nembudzi mbiri sezvo vakaita zvisiri pamutemo nekuviga VaMugabe pamba pavo kwaZvimba.
Amai Mugabe havana kuenda kudare kwaMambo Zvimba kwavainge vashevedzwa svondo rapera nemusiwa 20 Chivabvu sezvo vari kunyika yeSingapore uko vari kunzi nemuzukuru wavo vaPatrick Zhuwao vari kurapwa. Amai Mugabe vainge vadanwa kwaMambo kuti vapindure mhosva yekuti vainge vaviga VaMugabe pamba pavo izvo zvisingabvumirwe netsika yemaZvimba. Imwe hama yaVaMugabe, VaGibson Jenami vanozivikanwa saMambo Katizagombo vanoti  mutongo wavarikuziva ndewa Amai Mugabe sezvo wakagara uripo mumasamamisi. Hama yaVaMugabe, VaDominic Matibiri vanoti mutongo waMambo Zvimba vanove hama yaVaMugabe kutungana kwembudzi sezvo  Amai Mugabe vasiri ivo vakaviga VaMugabe.
Panyaya yetsvimbo inonzi iri kudiwa neavo vari kuda kufukunyura mutumbi waVaMugabe, VaMatibiri vanoti tsvimbo haisi muguva asi vanayo semhuri. Pamutemo, bazi rezvekuchengetedzwa kwemukati menyika iro rakatumira mapurisa kunochengetedza dare vaudza Studio 7 kuti vange vari mumusangano ndiro rinoona nezvenyaya dzakaita sedzekufukurwa kwevafi. Mumwe mugari wekwaZvimba VaArthur Changara vanoti zvekufukunyurwa nekuvigwa kwaVaMugabe hazvina basa, hurumende ine basa guru rekugadzirisa zviri kunetsa munyika. Patabvunza mutauriri wehurumende vari gurukota rezvekuburitswa kwemashoko kuti hurumende ichaita sei nekuvigwa kechipiri kwaVaMugabe kumarinda eHores Acre, Amai Monica Mutsvangwa vati tivatumire mibvunzo iyo yavanga vasati vapindura pataenda pamhepo.

Asi vachinyora padandemutande ravo reTwitter munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vati hurumende haiite zvezvipini. Tavatumira mubvunzo kuti vatsanangure zvizere asi vange vasati vapindura. Asi gurukota rebazi iri VaKazembe Kazembe vati vange vari mumusangano. Asi gweta doctor Alex Magaisa vati ishe haana masimba ekuti munhu afukunurwe. Asi madzishe aya anoti ari kushandisa masimba avo ari mumutemo unochengetedza tsika dzechivanhu kana kuti Customary Law. Nyaya dzaVaMugabe dziri kuramba dzichinetsa sezvo pavakafa nekuvigwa kwavo zvinhu zvakanetsa zvekuti vakatozovigwa mushure memasvondo matatu vafa.

  • Share: