Monday, September 23

Mashura Muporofita Vimbai Musonza naMadzibaba Nhau Murume Wzke Vakurambira Pamba Pevanhu Pavanga Vasheedzwa Kuti Vabvise Zvikwambo Nenyoka

MURUME anogara mumusha weEast View Phase 21 kuCaledonia, kuRuwa – uyo akatora muporofita kuti amubatsire kubvisa nyoka nezvikwambo zvinonzi zviri pamba pake – ava kuzvidemba sezvo muporofita uyu nemhuri yake vava kuramba kubva pamba pake.

 

 

 

 

 

VaThomas John (65) vanoti vakatora muporofita anonzi Madzibaba Stephan Nhau wechechi yeJohane Masowe weChishanu kuti avabatsire mumatambudziko avo asi murume uyu nemhuri yake vave kuramba kubva pamba pavo.VaThomas John

 

 

 

 

 

“Taipinda chechi tose nemuporofita uyu, ini semunhu akashandisa mishonga yeraki kare, zvandinotoziva iyo yandaizora nemafuta mangwanani oga-oga apo ndaiva kuki pamurungu pandaishanda, ndakanzi mishonga yangu yeraki yakapanduka kuita nyoka nezvikwambo nezvidhoma izvo zvaipa vana vangu minyama. Vanasikana vakange vasingaroorwe nekutadza kugara kwedu zvakanaka.

 

 

 

 

 

Saka muporofita uyu ndakazomushevedza kuti abvise nyoka, zvikwambo nezvimwe zvakaipa izvi pamba pangu iye ndokungosvikogara ndokutanga kuvaka imba yake padivi peyangu,” vanodaro VaJohn.

 

 

 

 

 

 

Vanoti vakapa muporofita uyu nzvimbo yekuti angofanogara achigadzirisa dambudziko remusha wavo.

“Ndakamuti agare kusvikira apedza kubvisa nyoka nezvikwambo zvaaitaura izvi. Ndakazomuti kana achinge akwanisa kubvisa zvikara zvinonzi zvaindinetsa izvi ndaizomupa sitendi yekuvaka uyewo ondivakira imba yangu ini semuripo wekumupa sitendi, izvo akatadza kuita,” vanodaro VaJohn.

Vanoti zvose zvavakawirirana muporofita uyu haana kumbozviita.Muporofita uyu anogara achindivhundutsira achiti ane hama dzake zhinji dzinosanganisira vatongi nevamwe vakuru-vakuru muHurumende achiti hapana zvatinogona kumuita. Ndave kutogara ndichitya nemhuri yangu pano, mwana wangu musikana akatotiza pamba nekuti vanomurova,” vanodaro VaJohn.

 

 

 

Fatima John (27) mwanasikana wepamba apa anoti mugore ra2017, iye nehanzvadzi yake vakashevedzwa nababa vavo vachiti vaida kubatsirwa nekuda kwemushonga weraki wavakatora uyo wakazopanduka.

“Baba vakati ndine mishonga yandakabata yava kupanduka zvavakati zvaida kubviswa, ndipo pakabva pauya muporofita uyu achiti aida kubvisa nyoka nezvidhoma achibva agara zvachose. Akazotanga kuvaka yake imba kuseri kwayangu pasina kubvumirana. Ini ndaona hutsotsi hwemuporofita uyu, ndakazotaurira baba vakatadza kuwirirana uye muporofita uyu ndokutanga kunetsana neni zvose nemudzimai wake vachindirwisa,” anodaro Fatima.

Anoti muporofita uyu anovatora kuvaita nhapwa pamba pavo.

“Ndakatama pano pamusha nekurohwa nemudzimai wemuporofita uyu saka tinoda kuti vachibva pamusha pedu, zvavakavimbisa baba vangu vakazvitadza,” anodaro Fatima.Mai Sithembeni Sibanda (65), vanova mudzimai waVaJohn, vanoti vakangoona murume wavo ava kuuya nemuporofita uyu vachiti aida kugara pamba achibvisa nyoka nezvikwambo nemimwe mishonga yaiva yapanduka.

“Zvakawirirana baba nemuporofita uyu hazvina kuitwa saka tava kuda kuti abve zvake nemhuri yake. Izvozvi hatimhoresane navo, zvino kugara kwerudzii?” vanodaro Mai Sibanda.

Madzibaba Nhau paakataurwa naye akaramba nyaya iyi, ndokudya magaka mambishi.

“Nyaya yamataurirwa yose inhema, akanyanya kuipa panyaya iyi mwanasikana wavo Fatima, haataure chokwadi. Zvekuti ini ndakauya ndichida kubvisa zvikwambo nenyoka kunyepa, ndakauya ndichitsvaga pekugara vakandiratidza nzvimbo yekuvaka kuseri kwemba yavo. Vakanditi ndizopedzisa kuvaka imba yavo ndikaitawo pashoma kunyangwe ndisina kupedzisa zvangu,” anodaro Madzibaba Nhau.

Anoti haagone kubva kana asina kupihwa mari yaakashandisa pakuvaka imba yaVaJohn uyewo nekubhadharwa michero yaakadyara pamusha pavo.Mai Musonza naMadzibaba Nhau

Mai Vimbai Musonza (27), mudzimai wemuporofita uyu, vanotiwo vakapihwa sitendi pamba apa.

“Nyaya iyi iri kunetsa, tasvitsa gore tisingataure tose nemhuri iyi. Ichokwadi mwanasikana wavo ndakamurova, ende ndinorova ndinotouya pazvibhakera. Ngavatidzosere zvinhu zvedu zvatakavapa tibve,” vanodaro Mai Musonza.Mai Annah Tande

Mai Annah Tande (57), mugari wemunzvimbo iyi, vanoti muporofita uyu atora nguva refu achishungurudza mhuri iyi achiramba kubva pamba pavo.

  • Share: