Friday, February 07

Christopher Mutsvangwa Orwisa Geza

Mutauriri webato reZanu-PF VaChris Mutsvangwa vatumira mashoko kuvatori venhau nhasi vachishora zvikuru nhengo yebato ravo reCentral Committee uye murwi wehondo yerusungunuko VaBlessed Geza vachiti vakazvidza bato nekutaura kuti muungamiri wenyika nebato VaEmmerson Mnangagwa vanofanira kusiya basa nekuti vakundikana.

 

 

 

 

VaMutsvangwa vari mashoko aVaGeza akafanana nekuda kupandukira hurumende. Vati vacharangwa uye vakati bato rakabatana mukutsigira VaMnangagwa.

 

 

 

 

Mukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaFarai Marapira vaudza Studio 7 kuti Zanu-PF harisi bato rinoita wada watonga muzinda wenyuchiAsi imwe nhengo yebato iri VaJeremiah Masiiwa vaudza Studio 7 kuti vanowirirana naVaGeza kuti VaMnangagwa vakoniwa uye vanofanira kusiya basa.

  • Share: