Monday, September 23

Tete Mildred Havasi Kufara Mhofu Hanzvadzi Yangu Kuberekeswa Mwana Dzabu Semakadyiswa Na Madamboss Pamwe I Clove Irikushanda

Tsamba kumuroora Madam Boss 

Anodiwa muroora

Ndanyora tsamba iyi ndichiti negorenzva makaidyawo seiko kisimusi paGerimani apo.Ko takakuonaika muchifara muchisvetuka rudo rwunemandivhaidza chokwadi.Mukoma vakafaraka ndakavaona vatakura Dzabu kumusana inga zvakaoma kuita semurume akadyiswa akutobereka Mwana Ngoni Mhofu yemukono aaaa clove inoshanda.

 

 

 

 

 

Ndakabva ndati nune nune saka vegodo vachaitasei.. Ko nemakorokotoka nehu CEO mwari uyu anenge achitiona zvedu.Saka hu CEO hwacho huri kubva hwauya nekachirungu asi wakatoenda kuchikoro kuita kusvisvina chirungu.Wakuti kana uchitaura wakuita semurungu imiwee.

 

 

 

 

 

 

Asi mbuya vaye ndivo vanokudzidzisa iiii zvakanaka chose vegodo vachati eke.Saka vachaita seiko zvawave kuchimbumura.Aaaa hu CEO hwakanaka.Dzabu akutaurawo chirungu here ndinozviziva vahera vanoita

 

 

 

 

 

 

kumbumura chirungu.Ndakatoenda kwa Sabhuku kunovaratidza ndikati ndezvemuroora nehanzvadzi yangu zvese izvi vane chikoro. Ndirikudada kuno nditumirewo mari yeshuga nekuti kuno vanhu vakuramba neshuga yavo hanzi piwai na CEO.Varikurwadziwa kkkkkkkk nune nune .Rega nditore muriwo wangu paruware apo.

Bye bye

Tete Mildred

  • Share: