News
General

General
Makunakuna mumusha weMasvingo apo umwe mukadzi anonzi mai Vongai ari pedyo kuramba, mushure mekutora mari 50us yaiva yekubhadhara rent akanotenga anointed condom iro raiita USD50 richinzi rinozoita baba vasaita chipfambi
Mufundisi Isaac Makomichi weMasvingo uyo anonzi ndiye anogadzira maslayqueen ose ane mbiri uye anova aipa malove charms kuna mushakabvu Moana, anonzi akati anotengesa macondom akazodzwa anoita madhora ekuAmerica makumi mashanu,uye zvinobatsira kuti vaviri vasapokane
“Sezvo kuriko kwandakanzwa kuti ndiko kunogonekwa zvekuvaka dzimba dzine mufaro,uye vamwe vangu vaiti ndikowo kwavakagadzirirwa zvikaita
Dambudziko rakazovapo baba voramba kushandisa anointed condom riya,ndipo pavakati mari yerent iripi ndikataura chokwadi kuti ndakatenga condom kwaMakomichi
Zvino baba varikuti itodzosera condom iroro uuye nemari yerent,ini ndiri kuzamawo kufonera vaMakomichi
panumber yavo 0777469342 yandainge ndakapiwa asi haisi kudavirwa,asi pandakanotenga ndiyo yandakavabata
Ndotokumbirawo murume wangu andiregererewo kana kuti dai angobvuma kurishandisa sezvo uri munamato wekuti tisazokonane”; vanodaro mai Vongai avo vakazvisikira moto muziso ivo kuwona vachada
Ukuwo baba Vongai vanoti havasi kuzoshandisa condom iri uye vakatoudza tete nemunyayi kuti vauye vanzwe nyaya yemuzukuru wavo
Vedzimwewo kereke vanoti mai ava vakaresva chose,kushandisa mari yerent vasina kutenderana nemurume wavo